Chava chirungu chino:Rudo,Luton

Pasi chigare vakuru vaiti wakafa nababa kunge kurima, vamwe vachiti vomwa semadzibaba avo asi ikozvino kwanzi vohura semadzimai avo.Iyi ndiyo nyaya iri kubuda nekuHingirandi kwadai kuperera mazana nemazana avanhu.Misha mizhinji yaparara nokuda kweupfambi huri kuitika kunyika iyi.Hapasisina chinonzi chichaera kumwana weZimbabwe kubva kupwere kusvika kuchembere inongova bata-wabata nokuti hapana unonzi unoda kusarira shure semuswe.Nzvimbo dzakaita seLuton kunotori nechipfambi chiya chokumaavhuniyusi muHarare kwekuti bhadhara ndikupe bonde.Vanhu vazhinji vari kuita zviya zvokuti sezvo dhora rakakwira kudai izvi kwava kutsvakira kuinda.
"Havachatyi kana HIV vanhu ava, vamwe hunzi takatofa kare !", anodaro umwe munyori ane mbiri uye mupepeti wenhau agere muLondon.Kune ruzhinji rwunozikanwa kuti vane mukondombera asi vari kuita vana gara irimo.Chinosiriisa ndechokuti vamwe vari kungopiwa mimba dzisina anochengeta.Vamwe ndivo vanoroverwa imwa mupinyi uri kumashure, vachinzi hatina kuroora nyamba munhu ane vakadzi vatatu kumusha kuZimbabwe, uye izvi zvinozozivikanwa kana zvinhu ava manyama amire nerongo.Vazhinji vari kuita mbiri iyi vanotoziva kuti varume vavo vakafa nemukondombera vari mune dzimwe nzvimbo dzakaita saanaLeeds,Hafield,Scotland,Birmingham nekumwe kwakadaro.